19/01/2022
*https://chat.whatsapp.com/Lf1lfx02EqAEclsJNVfysv*
*📕PEEMANCITY BOOKS📕*
*PRESENTS*
*🏹DZASANGANA NYANZVI🏹*
*✍️WRITTEN BY PROMISE JOSEPH MUTSINGO*
*📱+263786114127*
*📧[email protected]*
*Chitsauko 2*
*Rindai*
Mvura yakararira husiku hwose ichitsvotsvoma kuzoti kwayedza yakabva yatiwo mbombombo. Muzinda wose wakamuka wakati mwiro kunyarara kuchingonzwikwa jemerere renjororo pamwe nemahakirosi emadzetse aishaura nekubvumirana. Ndakabuda mugota ndookumira zvangu pachivanze ndichitarisa muzinda. Tuhutsi twaibva mudzimba dzokubikira ndootwaingoonekwa kuti toro toro tuchikwira mudenga. Ndainge ndisingadi kuonekwa nevanhu vakawanda saka ndakabva ndangoti werere nokuseri kwegota rangu ndini uyu tande nechinzira chevakomana vemombo ndakananga kugomo Zambe.
Zambe raive gomo guru mudunhu redu rinova raiganhura nyika yekwedu Chipuriro nenyika yaMambo Chiwodza. Zambe raive nemiti yaipedza gore rose yakasvibira nehuswa pakare. Gomo iri raigona kungokunga mvura monaya mugomo imomo dzimwe nzvimbo dzose dzakachena zuva kuti jenen'ene. Vafudzi vemombe vaivanzogumira mujinga megomo iri kana kusatoendako zvachose nokuda kwezvaiitika mugomo umu. Masikati machena maigona kungoita mhute ikatovharira zvokuti hawaizoona. Mainzwikwawo kuchema kweshumba, kukuridza nokerekedza kwehuku uye mainzwikwa mitswi ichijijana mumaturi zvairatidzakuti munevanhu vaitswa, izvi zvaingonzwikwachete kana ukaenda pedyo naro. Mugomo irori ndoomaivigwa madzimambo ekwedu uye madzitateguru edu ndoomaakavigwa. Ndirogomo raive neninga hombe pamakomo ainge akapoteredza dunhu redu. Pakati nepakati peZambe ndoopaive nenzira yaishandiswakuenda nevanhu kana vachishanyirana.
Mujinga megomo iri kuri nechokuseri ndookwaivanerwizi mutirikwi rwizi rukuru rwaive munyika yaMambo Chiwodza. Rwizi urwu vairushandisa kupa mipiro yavo yakatsaukana vairukoshesa chaizvo. Rwizi urwu rwaivevo nemakarwe, mvuu uye hove huru chaidzo zvokuti varume vazhinji kana kumasango uku mhuka dzisirikubatika vaienda kuhove. Pakang