03/09/2024
TRUE LEGEND
CHAPTER 19
STORY BY
NAISON CHIPFUMHI
0712691681
2 September 2024 Production.
Musecurity uya paakandivinga akabata pfuti pakabva payita mudhumo wechikopokopo wakasubuda nepachikomo chekwaDhlodhlo.
Ndakaringa mudenga ndikavona chinemakwapa makwapa ndikaziva kuti ayiva magandanga ayiva asvika.
Ndakavona musecurity achitendeuka nekukurumidza ndokudzokera kumota kwaayiva nevamwe vake.
Mota yakamutswa zvinemasimba ndokusumudza huruva yakananga kwayayiyenda.
Chikopokopo chakandeya nekuruware rwekwaBenny ndokudzoka chichimanyisa VaGwese uku risina charakapfeka.
Rume rayingova nechihat chinenge Howa mupengo huya hunouraya.
Pachikopokopo payiva pakaremberera rimwe rume rino gobvu dema rayiva rakapfeka mbatya dzinofanana nemavara echikopokopo.
Rayiva rakapfeka hat inofanana nevatyayiri vemudhudhudhu.
Rayisvebhura vaGwese magadziko neyimwe svebhu yayiti ichirira yayita semheni.
"Ndiregeyi ndinokuratidzayi, mhayiwe Kani Mira kudaro comrade mondivuraya.
Inga Wani ndiri umwe wenyu nguva yehondo ndayiva mujibha Wani..."
Panguva iyi ndayiva ndakavanda seri kwechuru.
Ndayivona mutakunanzva wefirimu nduna huru dzichisukutwa.
Gwese rakanosiyiwa rapinzwa mambuya Vunye.
Chikopokopo chakatinha vanhu nguva doko doko.
Ndakabva ndabva mudenhere chikopokopo chamhara ndokupinda muruzhowa rwambuya Vunye.
Ndayida kunzwa chinotora nzvimbo.
Mbuya Vunye svayiva svisipo hameno kuti svayiva svapinda payi.
"Mose mune mhosva kunyanya sabhuku nevamwe vatumgamiri makavhutsira munhu Ari mupenyu.
Bepa randakabata iri ndiro rinemazita evanhu vanova Ivo vanga vachifurira vanhu kuyita zvakayipa.
Bepa iri taripiwa neZRP ichiti Fata ndiye anyoresa mazita awa.
Mazita awa atina kuzvinyoreta zvemusoro wedu.
Fata ndiye ayendesa mazitako kupolice.
*Eredha* *Vunye*
*Gwese* *wenharo*
*Zimie Mushavi*
*Andaweyi pendiyezerere*
*Sabhuku Jabhudhokiss*
*Juneway Siyaso*
*Pesvukayi Rovachibereko*
*Engiroshi* *Chisvunudzamauto*
*Punirayi Chikari*
*Edhamorisi* *Chidyamhiripiri*
*Chidyamakono* *mupatamukuru*
"Munhu wese watadana ngaaende rutivi uru.
Mazita Acho wega unongovona kuti idzi IMBOKO.
Manje ini mboko ndotasamura kwete zvishoma."
Rakavomba izwi Riya.
Wayitawura handina kuvona kuti wayiva Ani becoz ndayiva ndiri muruzhowa ndakahwandisa musoro.
"Mbuya Vunye havapo ndiyo honzeri yatinyengera vanhu vose.
Dayi matovatsvaka because ndivo muparanzvongo.
Vatiza nerutivi urwu uye vanga vakapfeka siketi yebrown nechipika chitsvuku chinegwapa Jena kunge shiri iya inonzi siyagodo."
Ndakarihwa kuti iri ndiGwese rorevera mbuya Vunye.
Rakayiridzwa mbama Gwese.
"Akubvumidza kutawura ndiyani?, Nhasi pano panotsva demo kuchisara mupinyi.
Hoza lapa umudhala."
Rakavomba rimwe izwi ndikahwa Gwese richisvebhurwa dzimwe mboma mbiri.
Panguva yakaridzwa Gwese mboma mbiri ndakanga ndasumudza musoro sechidhambakura ndichida kuvona chinotora nzvimbo.
Parakarohwa rakasvetuka uku rakazarura makumbo.
Kubva zuva randakaripisa chibereko ndayiva ndisina kuvona kuti chakatsva chikasarira papi.
Pandakasumudza musoro ndakasanganidzana naro riri mumhepo rakazarura makumbo ndokuvona kuti chiweti chayiva chatsva zvokwadi.
Chayiva chi3 cm chakatsvuka zvekuti kana usina kuvonesesa unogona kuvona sekuti rakanamira chigwishu checarrot.
Maroverwo ayiva ayitwa Gwese rinenge rayiva rarohwa panyama nhete.
Umm Pera masvetukiro Acho rakasvetuka richiyita zvekumwaya weti sezvinoyita spray inosipureya cotton.
Weti yacho inenge yayipisa because ndakavona rimwe zimusoja rakatomhoka kuyenda mudenga richiratidza kuti weti yayiva yarifamba mumaziso kana kuti mumhino.
"Opwo, bhuu, opwo, opwo, bhuu pfiii."
Zimusoja Riya rakosora uku rakati zhokoto pasi nemagadziko.
Rinobva ramuka rakanongedza Gwese nepfuti.
Mumwe musoja unobva ayibhumura pfuti yorira yakananga mudenga.
Ndakarinzwa bara ndiri muruzhowa kuti hwiiii rakananga mudenga.
"Ndiregedzeyi ndirivuraye rume iri mhani maganasi.
Haangandiweteri mumhino nemumuromo zvose nemaziso.
Opwo, puu.
Weti yacho inososona kunge zimunhu rakadya hurukuru."
"Ayiwa comrade Tomusota imbomira hasha.
Unogona kuuraya munhu une information yakazara pabasa ratavinga.
Kana tichizorivuraya torivuraya tapedza zvatavinga.
Chero ini randiwetera unofunga ndingafara nazvo kuti mukadzi wangu anowachiswa weti yeumwe murume ini.
Risunge tiriremberedze mumuti umu.
Vanhu vachasara vochera rimwe guva because iri guva ramuchavhukunura munhu wamakacherera husiku tava kuchiriviga rume iri."
Rakadaro rimwe gunman ndakavona Gwese richindundurudzwa richinoremberedzwa mumuchecheni.
Muchecheni wacho wayiva pedyo nekuruzhowa kwandayiveri.
Magunman anobva arisiya ririko arakasungwa neketani dzisingadambuki.
Gwese rinenge richingoti mvee, mvee mumuti semureza.
Chero zvangu naGwese Tanga tisingawirirani zvakanaka naka ndakatanga kurinzwira tsitsi zvakanyanya.
"Mwari, ndiri mutadzi mukuru ndiro shoko rangu rekutanga.
Zvino nhasi ndovona sekuti ndiro zuva rangu rekupedzisira kuvona zuva.
Kutofa kwangu itoti poromosheni nekuti handivoni chandichararamira.
Dayi chiweti Chisinau kutsva ndayimbokumbira mamwe mazuva ekurarama ndichiwedzera kubatsirana nemwi kusvika vanhu.
Zvino chiweti chakaperera kuvapfumbi kwaMarandi kumupfula wemadube."
Rinombomira kutawura Gwese richikosora kosora.
Panguva iyi ndayingovona vanhu vayiva kuguva vachingoringa ringa kunaGwese.
But hakuna ayimbotarisa imwe nzvimbo kunze kwekutarisa pakati pemakumbo aGwese.
Varume vazhinji chero zvazvo vayiva panguva yekushungurudzwa asi ndayivona nyemwerero dziripo pameso.
Chinhu chayiita kuti vanyemwerere chero vasina kundiudza ndayichiziva.
Varume vayifadzwa kuti rume rayivatorera vakadzi vavo harichina chombo.
"Makavukereyi muchitadza kufukunura chitunha chamafutsira.
Kurumidzayi kufukunura, mukayita zvekutamba chinhu chamunovukera muchitadza kuyita basa ndava kunochicheka.
Ndagara ndichitoda kuchicheka chinotondisvotawo zvangu."
Rakadaro rimwe gunman richivhomora muhwehwe webanga.
Pakavhomorwa Banga rayipenya ndakahwa Gwese rowedzera kunamata.
" Ooh my rodhi jizasi ndofa hangu ndichimwawurwa mwawurwa senhumbi dzandarubva.
Ooh jizasi ofu Nazuruta ( Nazareth) mina kumbila impilo mama wee uvava umukulukulu wepezulu avantu vazimbahla zemakwapa makwapa zandihlamukira."
Rakadaro Gwese rakabudisa ziso sechipoko chasangana natsikamutanda.
Ziso rayiva rakayita kuvheneka pabanga chayipo.
Panguva iyi mugandanga wayirodzera Banga panechimwe chiruware.
"Rega kupedza nguva uchirodza Banga iro rakatesva ganasi."
Rakadaro rimwe racho zimugandanga.
"Ayiwa varume chinhu icho chakasimba, hazvishamisi kuti Banga rogona kutovhunika."
Rume richipedza kurodza Banga rakabva rakanyayira rakananga Kuna Gwese.
Rakasvika ndokubata chinhu ndokutanga kusadharara richicheka.
Ukuvo Gwese rayingokava kava ririmudenga.
Ndakavona gunman vachidonhera kwakadaro ndikafunga kuti chinhu chakwachuka.
Kwanzi, Banga ndiro rayiva ravhunika chinhu hachina kumboyita vanga.
"Varume chinhu ichi chinotoda saw iya yekugura simbi.
Chakawoma kuti ngaa."
Rakadaro gunman richipukuta mavhu kumeso.
Gunman rayiva rawa rikavumburukuta pasi.
"Imbosiyana naro shamwari tizoyita basa.
Pane muchembere asipo pano ANOVA iye muparanzvongo Saka vanoda kusechewa nendega.
Pano pachasara vamwe vakarinda vanhu ava vachiita basa.
Tichangoda sabhuku chete mundega umu achiratidza mafambiro uye nemunhu wacho nekuti isu hatimuzivi.
Raiadzokera gandanga kuvamwe varo ndokusara Gwese royenderera mberi nemunamato.
Rakamboyimba kanziyo zvishoma kaBlessing Shumba kekuti munamato wangu Ishe ndovuya kwamuri.
Ndakambofunga kuti Gwese rabudirwa nemudzimu parakatanga kuyimba karwiyo kacho.
Matangiro Acho ndiwo akandipedza Simba rose mumuviri.
Gwese rakatanga negitari racho.
"Dhututuru, dhututuru, dhindindiri.
Dhututuru, dhututuru, dhindindiri.
Ndouya, ndouya kwamuri munamato wangu Ishe wee ndovuya kwamuri."
Ndakazovhiringwa nemudhumo wechikopokopo zvakayenda mberi handina kuzonzwa.
Pakayenda chikopokopo kundosecha mbuya Vunye ndipo pandakasara ndonzwa Rava kurevurura.
"Chinhu chekutanga ndoda kurevurura baba.
Ndorevurura kupomba zvose nekupombewa.
Ndini ndakavuraya baba vaRun'an'a.
Ndakavuraya vanhu vakawanda asi vamwe ndayisavuraya nekuda ndayinyengerwa."
Gwese risati rapedza kurevurura kwakayita mhere yemudhumo wechikopokopo.
Chayiratidza kuti hakuna kure kure kwachayiva chamboyenda.
Ndakavona chichibudikira nepamusoro pechikomo chekwaSabhuku mbuya Vunye svakaremberera musoro pasi makumbo mudenga.
Dembe rasvo rayiita kupepereka semureza wekuJamayika.
Chakasvika ndokumhara zvakanaka naka.
Mbuya Vunye muviri wese wanga wangova green nedhodho.
Ndoshayiwa kuti svichembere isvi svinoyita dhodho regreen seyi isvo svayiseva nenyama mazuva ose.
Svayingoti nyama dzevanhu dzasvayidya kozoti kwamambo svayiva svimuporisa svamambo Saka chitatu neSvondo matare achitongwa svayibva nebandauko rembudzi...
Ndakasumudza musoro ndiri muruzhowa pakaridzwa mbuya Vunye nembama ndichida kuvona chayitora nzvimbo.
Inivo zvekusarira ndayisada.
Gwese randanga ndambonzwira tsitsi pakutanga ndanga ndava kurivenga nenhau yekuti ndanga ndanzwa chirevururo Charo kuti parufu rwababa vangu rayiva nechekuyita.
Pandakasumudza musoro ndakanzwa rimwe gunman richiti varume panechinhu chasumudza musoro murozhowa regayi ndinovona.
Parakadero ndakanzwa mudumbu muchirira kuti tsvororo...
For more information call
00263712691681
Macoments enyu ndiwo anosunda buk kuti riyende mberi.
Vanoda kujoina watsapp group ndibatei panumber 00263712691681