Reading Novels

Reading Novels READING & COMMENTING

06/06/2025

I have watched someone go from loving me *_everyday to acting like i never exist.πŸ˜”πŸ’”_*

06/06/2025

*My birthday was just a normal day i know. But it became more special as I was born on that date. It's the little ways that matter in life and it's my loving fate that I celebrating this day with my family and friends today wishing myself a very happy birthday. Today is my birthday. Help me to celebrate this day where ever you are*πŸŒΉπŸ‡πŸ₯‘πŸ₯―πŸŽ‚πŸ½οΈπŸ₯œ

HAPPY BIRTHDAY TO ME. I'M GETTING OLD HAPPY BIRTHDAY WITH 4 GRANDCHILDREN UMMM KKKK

11/05/2025
NDAZOIWANA IMBWA YEMUNHU IYA INOTAURWA NEVAKADZI
11/05/2025

NDAZOIWANA IMBWA YEMUNHU IYA INOTAURWA NEVAKADZI

11/05/2025

HA

07/05/2025

It hurts when you realize you aren't as important *_to someone as you thought you were.πŸ˜”πŸ’”_*

07/05/2025

β€œLife changes. You lose love. You lose friends. You lose pieces of yourself that you never imagined would be gone. And then, without you even realizing it, these pieces come back. New love enters. Better friends *_come along. No matter how bad it gets, better days are coming.β€πŸ™‡πŸΎβ€β™€οΈ_*

02/05/2025

I just want to say it might be the time for you to stop talking to people about your problems and present your requests to God. Cry out to Him, tell Him what's in your heart. Ask him to show you the way forward, the things *_you don't know. He's never failed you and He's not about to start now, Amen!πŸ§ŽπŸ½β€β™€οΈπŸ€_*

01/05/2025

https://whatsapp.com/channel/0029VaMEMwk5fM5jKCWoaY3P

https://chat.whatsapp.com/J0JyC3bHjvN1KGaow83bZy

UCHANDIFUNGA

CHAPTER 5

Written By
BOSS MOST WANTED
+263788022088
+27639193823

Edited By
EZEKIEL MATANGA
+27628290644

Joe paakati nda ndaaaaa....? Akabva adonha pasi asina kana kutaura zvinonzikwa.

Simba akasimuka paakanga akagara achinobata Jose asi mai Jose vakaita zvekupenga chaiko. Hameno kuti ishavi rudzii rakanga ravabata mapopotero acho.

Mai Joe ... "Iweee! Iwee! Iweka Simba ndakuudza kare kuti musiye asi iwe uri kupikisana neni unofunga kuti chii chauri kuita ipapa? Hausi kuda kunditeerera zvandiri kutaura handi? Siya imbwa iyo ife mhani. Pauri kumubata ipapo pakatorwa mafinger prints uchenjere kunzi ndiwe wamukuvadza. Iwee Joe ndati buda muno mumba mangu kare hausi kundinzwa zvandiri kutaura here iwe gudo? Imbwa mukonyora kudya haiguti kana kukora. Ndanguri ndakuudza kuti garisaika uitewo zvinoita vamwe vana asi wakaisa zvimiti munzeve chiona nhasi zvakuwana kumeso angova mobondo mabondo nezvibhakera. Unosizviedza bhuru uchikindidza vana vevamwe chiona nhasi zvava kwako wanzwa bhata toko waro. Kudai vanatsa kukurova sitereki wamukira kuchipatara ndofunga waita munhu kwaye. Usade kuonererwa netundebvu mupengo itwo unofa. Wava kunyepera kunge munhu kwaye izvozvi uchiuya kuzonditemesa musoro pano kudini ikoko? Nhai vabereki zvirikowo here zvandiri kuoneswa nemwana uyu? Ndakatadzeiko panyika pano? Ndaiti ndazvarawo mwana izvo kwaani ndazvara benzi remapenzi ese."

Mai Joe kwaive kungopopota zvavo hapana kana akambovaterera.

Simbarashe .... "Mhamha kutaura kwenyu ndakunzwa asi Joe mwana wenyuka uyu handi munozviziva? Ane benzi nderake kudzana anopururudza. Mwana haarangwi achikandwa kunze anodyiwa nemapere asi munorangawoka muchiziva pekugumira."

Simba akadaro achibata Joe asi mai Jose vacho vakanga vakuita kunge huku yakuda kukanda mazai. Vaingotenderera nemba uku vakabata nguwo yavo uku yakakwinyirwa futi nguwo yacho ungati munhu ari kuda kutamba hwishu. Uku zvavaidai mwana wavo aiva akati rabada kufa chaiko. kwete half dead bodo asi kuti aiva apfuura half dead yacho, kufazve kana munhu adai.

SIMBARASHE

"Mhamha ngatiite zvinoita kuti mwana ararame uye mukaramba muchitenderera imba yose hapana chinobuda pano. Mangwana ndimi munobatwa maoko uye zita rekunzi mai Joe richazosara richikurwadzai pamoyo nekuti vanhu vajaira kuti mai Joe havambozoregi kukudaidzai vachidero. Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi mai Joe regai ndikurumei nzeve." Ndakataura mashoko aya ndakutoita kakundandama maziso angu aiva achizara misodzi zvino uku dzihwa riya rekakurwadziwa raingochururuka nemhino.

"Iwe Simba usada kutsokotsa nyoka iri mubako wandinzwa unorumwa nechekuchera wanzwa? Uchazondifunga mangwana chaiye wave munyatwa nenyaya dzaJoe wako iyeyeye wauri kupembedza. Haambofi ndomaitiro ake musiye akadero. Akabva pano kare uyu asi nhasi uno ava kuuya pano unoziva kwaakanga ari here? Chifa ndichimuka ichi. Haana kunyatsorohwa sezvaakamboitwa mwedzi dzapfuura idzo dai akafa."

Handina kuda kuteerera zvavaitaura asi ndakamhanya kuno bata Jose uya ndokuona ari zii hake. Aitaridza kuti anga akazvimba kumusana nepadama paibuda ropa nemamwe mavanga kumeso hameno yakange yatambika kushamuna iyi?

Ndakatora mvura inodziya kwakuisa munyu ndokutanga kumutova tova. Akazomuka pave paye kwakubvunza chikafu asi mhinduro yakabva kuna mai vake yaiva hora chaiyo .

Mai Jose ... "Ani mukadzi wako pano waunobvunza chikafu? Bvunza mai vako vaunoterera kwete ini pano. Handina mwana benzi wanzwa usada kundiondesa mhani mwana iwe enda unofira kure uko kuna baba vako. Hakuzivi here ndikuperekedze?"

Handina kuda kumboita hanya nemashoko amai ava. Vaiti kumwana wavo benzi asi apa ivo ndivo vakange vatova benzi chairo zvaitonyadzisa zvavaiita mwana wavo pavanhu.

Ndakamhanya kumapoto anobikirwa sadza ndokusvikogwedebudzana nawo chaiko. Ndakabva ndaona mune imwe poto mune sadza asi raiva rakazara soup sadza racho. Ndakatora sadza riya zvakadero nemakwengo aro zvese ndokupa Joe uya. Akarimukira ndokuripaza chaiko, ndakaona shasha yakubuda dikita ndikaziva kuti shasha yadzoka kuvapenyu hakusina mweya uchaenda apa. Kana mweya waizobuda muna vatenzi zvaizova zverimwe zuva uye neimwe nzira apa zvakange zvakona. Ndakashamisika kuona munhu achibuda dikita nesadza rakapora k*kk. Shuwa vashe ava vakange vakuda kutoenda kumaziva ndadzoka the way ndakaona dikita racho.

Apedza kudya ndipo ndakazokweva chituro changu ndokuswedera padhuze naye kwakumubvunza chakange chatora nzvimbo shasha ndokutanga kurondedzera uku ichinzwisa tsitsi musoro wakarerekwa padivi kuda wairema zvawo musoro wacho the way yawange wakarerekwa.

"Mukoma Simba ndinotenda nekundibatsira kwamaita ndange ndave padiki kufa. Ndange ndiri kubhawa tichinwa doro neshamwari yangu Taurai. Sezvamunoziva kuti kubhawa kune zvakawanda sandi vese vanofambira doro kubhawa. Rumwe runofambira mah**e, kuona tv rumwewo dzinenge dziri mbavha uye dorowo futi variko vanenge varivinga chaiko. Kozouya vamwe vasina zvakawanda zvavanenge vafambira kuita seni mukoma ndainge ndisina kana mission mubhawa ndangozokaruka ndapindawo muimba yacho. Ndange ndiri pabhawa repaMangenje paya so mari tanga tisina asi doro tazonzwa kurida nguva dzatapinda mubhawa macho."

"Takatozvigarira zvedu tichitoshaiwa pekutangira ndipo pabva pasvikawo umwe murume anga ane h**e rake pabhawa paya. Murume uyu ange ane mota so paabuda mumota asiya asina kukiya madoors emota ndichibva ndazviona. Ndikati maita kwazvo nyemba kutsva dzarungwa uye dzakanga dzawira mutswanda hadzichanetsi kudyorera."

"Madhakirwe aange akaita ndiwo andipa kurohwa kudai mukoma parohwa munhu kani mukoma. Airatidza kuti anwa chikokiyana mafambire ake so tangoti zvedu zvaita ndokubva tamhanya pamota iya takunotsvakawo cheuviri. Ndasvikopinda mumota muya wanike mune munhu uku akatoti rabada zvake kurara achidziridza ngonono😴 apa nyama dzese dziri panze uye mapfekerwe enguwo dzacho. Tabva tati hekani waro bonga kuona huku dzichirwa kusarudza yakanuna chete haripotsi."

"Ndaita zvese zvandaida pane pandisina kusecha here mumota macho. Nairowo h**e racho ndarisecha chaiko asi range rakatochona zvaro ndangoona matisue uye mapepa evakuru mubhachi macho ndichibva ndasiyana naro. Ndazoiwana mari pava paya ndokubva ndabuda ndichitoti zvangu zvaita. Pandange ndava kuti ndibude mumota muya ndazonzwa ndabatwa kuti kwiii. Ndichitarisa kudai wanike ndeumwe murume watakabira futi zuro manheru. Taurai anga akajegera haana kuda kundiudza kuti hokoyo apindanawo nedzakewo. Ndarohwa mukoma Simba handichadi kuba futi. Vaona kuti vapedza neni ndipo pavabvunza kuti hapana anozivawo panogara mafana uyu here? Taurai ndipo paazobudikira kubva vauya neni pano asi Taurai anenge acharohwawo nekuti ndanzwa vachiti iwe mafana unenge wakange uripowo nezuro uchataura mushe." Akadaro Joe achitaridza kunzwisia tsitsi.

Nhamo yeumwe hairamwirwi sadza asi yaJoe yakanga yoda kundisetsa . Ndakabva ndaona kuti ndosaka mai vake vairamba kuti ndimubatsire. Apedza kutaura nyaya yake akazoti ndimubate anorara. Ndakamusimudza kunge kamwana ndakananga kuroom kwake ndokusviko muisa pamubhedha wake. Mumba macho ummm zvakaoma hama dzangu asi handidi kuzvitaura ndikangazonzi ndine pamuromo pasingamharwi nenhunzi. Ndakubuda Joe akati "Nhai mukoma Simba munorara kupi zvamusina kana chenyu muno?"

Simba ... "Ndinorara munext room umo ndimo mandakapihwa namhamha kuti ndigare. Wanga wati kudii mafana?"

Joe ... "Haaaa hoooo zvakanaka mukoma endai henyu munorara asi musakanganwa kuti mafana wenyu ari muno nyama dzake dzichiri kurwadza munapota muchindidongorerawo mukoma ndogona kumuka ndakafa muno. Zvanhasi chete kudai mauya muno morara makandirindawo nekuti ndiri pedyo kufa mukoma. Ndimi wandiri kuvimba naye onai mai vangu vandiramwa."

Simba ... "Don't worry mafana wangu unopora unoita boe handiti. Chandiri kuda kana wapora ndinoda kuti ugare pamba usaenda kumabhawa usiye fodya nedoro nekuti uchafira mafufu segonzo. Urare zvakanaka ndokumutsa mangwana handiti?"

Neaya manzwi ndakabva ndabuda handina kuzoda kumirira kusiririsa kwake. Akanga akuda kuyemera ini kuti ndini mai vake here? Pandakanga ndakusvika padoor rangu ndakaona mai Joe vakamira pamusuwo wavo ndokubva vati.... "Simba wakiya zvakanaka door here?"

Ndakaita zvekuvhunduka nekuti ndakanga ndisiri kufungira kuti pane munhu apa pfungwa dzaive dziri kuresa. Handina kuvapa mhinduro ndakangodzoka ndinyerere ndichitarisa door kuti ndavhara here. Ndakaona rakashama ndichibva ndambodongorera panze kuti hapana vanhu k*k kutya zvakunoita. Ndakazovhara zvakanaka ndakudzoka ndakaona mai Joe vakamira zvakare padoor pavo. "Wanga wakuda kurara usina kuvhara musiwo. Utambire kure naJoe handidi kukunzwa kuti wabatanidzirwa munyaya dzake. Urare zvakanaka Simba mangwana huni dziri kuuya." Vakadaro mai Jose ndichipinda mumba mangu.

Ndakada kurara asi hope dzairamba kuuya ndiri kuronga ndichirongonora. Ndaiedza kubatanidza mashoko ataurwa namai Joe pamwana wavo ndikazvishaya shumo yazvo. Ndakazobuda nerokuti mai ava havasi mai vaJoe chaivo. Joe anogona kuva ari mwana wehama yavo nekuti mai nyakutumbura vakarwadziwa nekuzvara uye kurera mwana kusvika paari nhasi havangadaro pamwana wavo. Hope dzakazondibata pave paya ndokurara asi ndaipota ndichimuka ndichinotarisa mukomana sechikumbirowo chakeπŸ™.

Kwaedza ndakadzoka zvekare kuzomuona ndichibva ndasvika akarara ndokusinaya naye. Chandakagona kumufukidza gudza chete handina zvimwe zvandakagona kuita panguva iyi. Ndakanoita basa rangu semazuva ose. Mbuya mai Joe vakazomukawo late ini ndakange ndave kumberi nebasa. Vakamuka vakaita kunge vakatsamwa kunge vari kufara handina kuzvipihwa mushe. Vakazondituma kotenga chingwa ndokubva ndaita sekudero. Ndakudzoka ndipo ndakasangana namai Taku vakuuya kubasa. Vakazondiudza nyaya yaJoe zvakaitika vachiti vakanga varipo vachizviona. Ndakavabvunza kuti vakazviona vachiitei usiku kubhawa vakatanga kundandama vasati vapindura. Semunhu akangwara vakandiwanira mhinduro kwai heeeeee ndaitengesa hove kudini here hameno kana yakange isina kugadzirirwa mhinduro yacho? Kwai heee ndinotenga hove ndofuraya kudini here ndozonodzitengesa kumabhawa ndachaisa. Kutozoramba munhu achienderera mberi kwai heee ndodziita $ for 2 uye ndenge ndakaisa mhiripiri. Ndakangobvumira asi ndaiziva kuti mbuya mai Joe vakange vambondiyambira pateam iri. Vakange vakandiruma nzeve mai Joe vaisanyepa.

Tasvika pamba mbuya mai Joe vakanga vabika tea yavo chakandishamisa vakaisa 2 macup chete pasina yemwana wavo. Vachindipa yangu ndakaitora nechingwa chacho zvese ndokunopa Joe wavo. Ndakawana amuka asi akange achiratidza kuti zvinhu zvichakasunga. Mai Joe vachizviona vakaita kupopota kani. Handina kana kuvapindura ndaizodiiwo munhu ari pamba pake. Joe achinzwa ndichitukwa haana kana kudavira akarambawo ari zii zvake kunge asipo. Anoita sekuti anotyawo mai vake handiti aidai akamira neni. Ndaitukirwa iye oramba ari zii ko ndange ndatadza here kumupawo tea? Mafana uyu akapusa haadi chakanaka. Handina kuzonwa tea iya ingamwika here nyakubika achiita kuvava kunge anga aisamo something.

Mai Taku ... "Ko nhai mukoma Simba chii chiri kuitika nhasi murungu ari kudya magaka neminzwa yayo. Panoshandika here nhasi pano? Zvazvakaoma nhasi ummm panoda kushinga kugera ndebvu dzeshumba mhenyu. Mai ava vatanga kudai hapadyiwi rinopisa pano."

Simba ... "Mai Taku ita basa rawafambira iko zvino ukanzwikwa uchitaura unogona kuburwawo so siyana nazvo uite sekuti hapana chauri kuziva. Since iwe uchiziva nyaya yaJoe zvatovharana pekutangira unapo usade kutsvaga bonzo muderere unosara nazvo. Zvanhasi ngazvive zvenzeve muromo unyenyerere unobvei? Chakakosha pauri ibasa rawafambira zvepano siya zvakadaro hazvinei newe wandinzwa?"

Mai Taku ... "Ok mukoma Simba chete murungu wedu tagara naye kubva kare. Nhasi muchaona henyu munhu wese anoita misitake anotukwa zvekuti ndiye apara mhosva. Vagarisa vasiri kuziva murume ndozvavanoita hasha dzinokwira. Musi wavachaunza chikomba chavo vachadzikama k*k*k. Chichanetsa ndimi nekuti hapachaite kuti pauye chikomba muripo asi kudai maigara kumwe pasiri pano zvaita."

Handina kuzoda kutaura zvinoenda kure nekuti ndakanga ndaona kwakuenda nyaya yacho. Zvimwe ngazvive zvenzeve kana meso muromo unyerere zvawo ndizvo zvakandiudza mai vangu. Ndaingoshushikana kuti sei mai ava vachidaro mwana wavo? Ndaingoti ndikati shande shande ndonotarira Joe wangu. Pamwe pacho aiti "Mukoma Simba musatya ndizvo zvinoita mai vangu kana vakagumbuka havana wawanoti ari right."

Ndaimuitira zvose zvaanenge ada. Huni dzakazosvikawo ndikati basa rangu ratanga. Patakapedza kudzikisa huni ndakatora demo rangu kwakutanga kuita basa. Ndaitsemura ndichipa vanobika huni handaida kugara pasi ndaida kuramba ndiri busy ndikaona ndiro dzawanda ndonhonga nekucleaner cleaner kuti pachene. Kubva zvandatangawo basa pamba pakanga pachiita kuchinjawo kuchena uye vatengi vanoita sekuti vaiwedzera zuva nezuva. Pasina nguva ndakazonzwa ndakudeedzwa namai Joe vari mumba.

Ndakapinda mumba ndikavaona vabika sadza ravo vakati "Uchida kudya sadza iri unodya usiri kurida enda unopa imbwa yako yakarara umo iwe wozopihwa sadza namai Taku panze apo." Ndakaziva kuti kwaive kutaura kwekunyara semunhu mukuru. Kukwira gomo huwandurira uye kubvuma mutsvedzu kudonha usati wadonha unoti hakutsvedzi. Kutanga riini kundipa sadza raiva riri raJoe chete. "Wapedza kudya wombogara pasi zvanhasi zvakwana washanda zvaita." Vakataura vachibuda.

Ndakatora sadza nematemba ndikapa Joe ndikabuda ndokuenda kuna mai Taku avo vakangoti ndichisvika vakabva vapakura ndiro yavo yesadza kwakuzadza beef ndokundipa. Vachingondipa sadza riye zvikanzi namai Joe "Mai Takue mune muriwo wakawanda here mundiro yamukoma Simba?" Ndakadavira mai Taku vasati vapindura ndakangoti yaaa yakawandisa kupfuura sadza. Zvikanzi "Mupei sadza rakawandisa hapana chaadya makuseni ano. Ari busy kufidha mafana wake mumba umo. Kuzviswedza nenzara nekuda kwebenzi rinoziva zvarinoita. Risina kurohwa harizivi kudzoka kumba asi rikatakwa rinouya richisiririsa kunge ndiwe warituma kuti rinorohwa." Vanhu vese vakamboseka kutaura kwamai Joe. Zvaimboita sekuti mwana wavo here?

Ndichipedza kudya sadza riya ndakaenda kuroom kwaJoe uko ndakazoswera ndichitandadzana naye sezvo ndaisada kuswera panze musi uyu. Asi ndainge ndakusuwa mai Takue k*kk ndaipota ndichidongorera kuti ndingavaona here?

END OF THIS CHAPTER

BOSS MOST WANTED AND EZEKIEL MATANGA LOVES YOU ALL.

01/05/2025

https://whatsapp.com/channel/0029VaMEMwk5fM5jKCWoaY3P

https://chat.whatsapp.com/J0JyC3bHjvN1KGaow83bZy

UCHANDIFUNGA

CHAPTER 4

Written By
BOSS MOST WANTED
+263788022088
+27639193823

Edited By
EZIKIEL MATANGA
+27 62 829 0644

"Mai Takue ndati ipa mukoma Simba sadza wani. Chii chiri kunetsa ipapa? Mai Rich namai Tatenda munoziva wani kuti Mai Takue ndiye anopa vamwe vashandi sadza pano. Saka chamuri kumudzvokora neziso rakasara muzhara chii ichocho? Iwe Simba kana wapedza kudya ugouya pano ndikutume ndichiri kuziva ukanonoka hameno hako." Vakadaro mai Joe vaya kuteam rangu ana cooker manyama.

Mai Takue vakandipa sadza nebeef ummm ndakarizhaka zvekurevesa, raiva risina haro nyama yemuwando. Soup chete ndiyo yavakawanza asi yainaka zvayo soup yacho. Ndakaripaza zvakaoma kudero ndokuisiya yachena ndiro yangu.

Handina hangu kuda kupikisana navo ko munhu akatumwa asingadi munongoziva zvaanoita. Zvainaka dei vakazvisimukira vamene mai Joe pamwe zvaigona kuita nepamwe. Zvichida vaingozowanza muto sevamwe vavo handizivi k*kk. Asi zvakaoma kudero handina kana kuita shungu nazvo ndakazozorora kwasara musuva umwe uyo ndakangoti ndichipedza kuseva ndokubva wadonha zvawo. Vanhu vese vakaseka pavakaona musuva wangu uchidonha. Neniwo ndakaguma ndaseka nemaitikire azvo. Sure musuva ungadonha ndatoseva kungava kuitai ikoko? Ndakangoti pamwe ndiyo yaiva mhiko yepabasa racho k*kk*k.

Ndapedza kudya ndakaenda pana mai Joe vaya ndokuvati ndapedza ndauya. Vakanditarisa kwekanguva ndokuchizobva voti "Waguta here nhai Simba? Sei usiri kusekerera."

Ndisati ndapindura vakabva vapamhazve umwe mubvunzo "Iwe mai Takue wapa mukoma Simba sadza rakawanda here? Munhu achiri kubva kumusha kudai mofanira kuziva kuti anoda kudya uye muzive kuti mukoma ivava ndivo vatoita kuti zviite ipapa. Dei vasivo huri hutsi hwega hwega pamoto apo. Maizodzitsemurirwa nani huni dzacho. Vapei sadza remuwando ndoda kuona vachidzvova nekuguta. Ndiko vawane simba rekuramba vachishanda kududzira riri zita ravo mukoma Simba k*kk*k."

Mai Taku ... "Aaa mhamha kusaziva zvangu kuti chandavapa vaguta here? Asi ndaona sekuti vaguta kudai vanga vasina kuguta vaidai vataura k*k*k." Mai Takue vakapindura vachitoseka zvavo asi kutaura idi vaisanyepa ndakange ndava kunzwa parere moyo. Paitomboda kari kauswa kekuti ndinongore zvipakanwa zve beef yandainge ndapiwa namai Taku kunyange yaiva zvayo nhindi imwe ndiyo yaienderana neni semunhu mutsvawoka uyewo semunhu akapakurirwa nemunhu aiva akavhurirwa ziso nechaunga.

Mamai andaishanda nawo dzaiuyawo ndakabva ndamamaka chaiko. Sure kudyisa zijaya rakaita seni sadza nesoup kuitai ikoko? Kuda kukanganisa pozi yangu vanodero landlord Chirebvu k*kk*k.

"Ndosaka ndati umupe iwe nekuti vamwe vako ndinoziva vachinetsana naJoe pano nenyaya yekupihwa kasadza urombo k*k*k kupfurwa neatenga. Simba achiri mutsva wetsambo haasati ava kugona kutaura kuti ndaguta kana kuti mandipa soup isina nyama. Saka ndichaisa iwe mai Taku pachinzvimbo ichocho ndiwe uchaburira Simba sadza zuva rega rega nekuti ndaona sekuti munowirirana zvekudaro uye munofanira kumupa sadza raanoda zvese nekumuriwo ndizvozvo futi. Imi mukoma Simba musambonyara kutaura kana vaisa muriwo mushoma. Uye kana mukanzwa kuti muri kuda fish, beef or chicken daidzirai muriwo wamunoda makasunungaka ndini ndakupai mvumo iyoyo."

Vakadzi vese vakadonhedza miromo kutaridza kushoora zvakanga zvichitaurwa namai Joe. Iniwo wacho zvekuda zvinhu zvepamusoro soro haaaa ndakange ndisiri kuzvida ndaingoti chero ndawana chekudya boe madhiri. Zvekuti razoita nhindi imwe kana kuti raita muto wega ndakange ndakazviisa kugotsi kwangu ndaisava munhu anonyanya kukara zvangu. Ndaigutsikana nezviripo.

Mai Joe vakazonditi ndipinde mumba pane kwavaida kundituma. Takapinda mumba muya kubva vati "handina kwandiri kuda kukutuma asi ndaona kuti vakadzi ava havachada kuita basa ravo nekuda kwako. Zvandakuita chimboenda kumba kwamai Sue kune shamwari yako unomboiona kuti iri kuitawo basa rei ikoko? Unozodzoka hako chero nguva yawada usanyanya kumhanya mhanya basa zhinji wapedza so chekumhanyira hakuna kuno k*k*k."

Handina kuda kupedza nguva ndakauruka nemufaro uye ndipo ndakabva ndanyatsoona kushanda kwenjere dzemurungu wangu k*k*k. Ndakati ndipo panotangira varungukaa apa. Kumbondipa nguva yekurohwa nemhepo haaa ndakabva ndanyanya kufarira mai Joe. Ndokugonaka uku ndakaenekana navo ndokubuda ndakarova mhetserwa rutsoka rwakatarisa kwandainge ndafunga kuenda.

Ndakabuda ndichifambisa apa kwaiendiwa kwacho nzira yaimbopota ichindivhara k*k*k. Ndakazopona nekutevera shangu yangu iyo ndainge ndichangotenga. Yaidhinda zvekuti chero ndaida kunosvika nayo kurank ndaisvika pasina kutya. Ndiyo yakazondiponesa ndakakaruka ndabudira pabasa pabhururu wangu uyo ndakasvika asipo zvake hameno kwaakange aenda. Kwakangonzi pane kwandamutuma hameno kuti sei vasina kuda kundiudza zvavamutuma zvacho. Ndakangoti ndichazvinzwira kubva kumuridzi paingoda kushingirira kumumirira. Ko ndaimhanyirei hangu iye murungu akange andiruma nzeve. Uye matambirirwe andakaitwa pamba pacho haaaa paisagozha kurindira bhururu wako uripo k*kk. Kusununguka ndimai Joe part 2 mai yacho haaaa vaikodzera kunzi murungu futi. Nhau yavo imwe chete yekusataura kwavainge vatuma Daniel bhururu wangu. Asi zvakaoma kudero takatora kamukana ikako kuziva more.

Vakazondiudza kuti vainzi mai Goto. Uye kuti vaiva nemwana wavo musikana ainzi Susan. Ndaingonzwa vanhu vachiti mai Sue asi Sue wacho handina kumuona. Chandakaona ihembe dzake pawire izvo zvakaita kuti ndizive kuti aiva musikana. Ndakapihwawo drink asi ndakariramba pekuriisa ndipo painetsa. Ndakange ndabva ndandinya kubasa kwangu so zvevanhu vaida kuvhiringa pattern haaaaa ndakati wooo makasi. Mumba mandakadaidzwa muya ndakasvika ndikapiwa komichi mbiri dzedrink namai Joe so zvekuzvimbirwa ndizvo ndaitya hangu apa.

Mai Sue vaya vakabva vatoseka zvavo ndokuchizoti "haaa unoramba nemvura yekunwa here? Kwenyu ndinoziva kuti panodyiwa uye panobikwa sadza so nzara hauna hako haisi nyaya."

Mai Sue vakazovhura fridge yavo ndokutora freezit vakati chifanowaraidza tichimirira shamwari yako kudzoka kwayo. Takanga takutaura nyaya namai vaye ndichinwa freezit rangu riya. Pasina nguva Daniel akasvika akabata kaplasitc mumaoko ake. Ndakashaya kuti kaive kei kaplastic kacho.

Takakwazisana zvenguva diki diki achibva aburitsa mari muhomwe ndokupa mai Susan. Mai Sue vakataridza kufara vachibva vati ... "Haaa mukoma Dani asi munenge makamisa vanhu venyu kanhi munzira umo here? Pamati pote ipapa mabva matodzoka mapedza oder yese iya. Uku mari yenyu yakakwana futi haaa mandifadza apa. Munogona basa henyu munhu atanga nhasi basa ndaifunga kuti muchabirwa kana kurasika. Manje mabva manyadzisa muvengi izvozvi rave pack rechitatu ramatengesa. Handina kumboona mukomana akaita semwi kudai." Mai Sue vaitaura vachiita kunyemwerera vachicheka Dani neziso repadivi kunge vanhu vanodanana muchihwande vasingadi kuzivikanwa. Ndakafunga kuti zvichida pane zvakahwanzika zvavari kuda kuti Dani asandiudza.

Pakasvika Daniel mai Sue vakabva vatipa mukana wekuonana. Dani akarongedza mafreezit ake uku tichiita nyaya dzedu. Akatora cardbox akaricheka kuita mapiece maviri rakareba kufanana neplasitic yemafreezit. Akatanga kuronga mafreezit ake imomo zviri smart zvakanaka. Mai Sue vakadzoka Daniel apedza kuronga mafreezits ake. Vakabvunza kuti sei akuda kuenda kubasa achisiya shamwari yake. Daniel akati "hapana chakaipa tinoenda tose tichitaura nyaya ndiko kuti amboona kubasa kwangu. Ndichazoendawo ndonoona kubasa kwake kuti sei famba." Mai Sue vakarambirana naye ndokumuti "zvaive zviri nani kuti mutambe muri pano mozoparadzana ave kuda kuenda."

Takazosimuka naDani ndavaudza kuti handisi kuda kugarisa ndiri kudzoka manje manje regai tiende kubasa kugara hakuna ndima. Vakuru vakati "chauya husiku chati ushaye hope chauya masikati charamba ndima pabasa." Vakaseka tichibuda zvedu. Takasvika pamusika wemabhazi Dani aitengesa mafreezit ake achitengwa maitova nevanhu vakawanda vaitengesawo murank macho. Zvaida kungwara ngwara uye kusanyara. Aipinda mumabhazi mumwe achidzingirirwa asi pamwe aitobuda azara bag vanhu vaamhanyira mhanyira mafreezits acho. Kwaipisa nguva iyi so vanhu vaitoamhanyira mhanyira kuri kuda kutonhodza pahuro. Mafreezit ake ave mashoma ndakazomubvunzawo mari yaaishandira pamwedzi. Daniel akati aipihwa $50us asi hazi akashanda zvakanaka yaizowedzerwa.

Ndakamuudza magariro andaitawo kwangu nebasa randaishanda nemari yandaipihwa. Daniel akatoyemura achiti inga unoshanda pane mari. Ndikamuudza kuti panofiwa usatamba nekutsemura huni panobuda mhoni nevana vadzo zvikatsotsonyera mumaoko k*k*k.

Ndakazosiya Daniel ndakuenda kumba iye akudzoka kuzotora mamwe mafreezit. Musi uyu aitengwa kwakanga kuchipisa chaiko. Ndakasvika pamba ndokubva mai Joe vati "Aaaa watodzoka saka wafamba zve ndaisakutarisira nguva ino ini. Asi wawana pasina vanhu kani zvawauya usina chawakabata? Chipinda mumba undiudze kuti zvanzi kudii? Ndosaka ndichikufarira unotumika kudai ndatuma Joe aidzoka pano mangwana manheru."

Ndakaziva kuti nguva yandadzoka haisiriyo yavaida kuti ndidzoke. Ndakapinda mumba ivo vachibva vamboita nguva vasati vadzoka. Vakazopinda vakatanga kuseka vakanditarira. "Chibuda hako unoita zvawafunga ndange ndati umbozorora manje wakurumidza kudzoka k*kk. Shamwari yako iri sei? Ari kushanda zvakanaka here? Akagara zvakanaka here? Wamuona kana kuti hauna? Mangwana huni dziri kuuya uchange une basa mangwana asi kwete kupedza kutsemura dzose nezuva rimwe. Semunhurume unoonawo kuti idzi dzinokwana nhasi or kutsemura shoma shoma kuti usazonyayawo kugara pasi vamwe vachishanda k*kk*k." Vaitaura zvese vasingadi kundipa mukana wekutaura. Ndakazovapindura zvose zvavakanga vandibvunza.

Ndakabuda ndikatanga kuunganidza huni pedyo nevaibika ndikazotanga kubatsira mai Taku kusuka mandiro nekunhonga dzevaye vanenge vapedza kudya. Manheru tapedza basa takagara mumba pakaita knock padoor. Mai Joe vakadeedzera kuti pinda. Door rakavhurwa zvishoma nezvishoma kunge anoda kunge asingadi munhu uya. Hapana akasimuka kana kudii kusvika munhu apinda kwakuona ari Joe ari kupinda akazvimba kumeso ropa richibuda. Ndakasimuka kuenda paari mai Joe vakati "iwe Simba musiye." Ndakabva ndarwadziwa kuona munhu achibuda ropa kudaro. Ndakamubvunza kuti waitwa sei akabva ati nda nda nda....?

END OF THIS CHAPTER

BOSS MOST WANTED AND EZEKIEL MATANGA LOVES YOU ALL.

01/05/2025

https://whatsapp.com/channel/0029VaMEMwk5fM5jKCWoaY3P

https://chat.whatsapp.com/J0JyC3bHjvN1KGaow83bZy

UCHANDIFUNGA

CHAPTER 3

Written By
BOSS MOST WANTED
+263788022088
+27639193823

EDITED BYπŸ–ŠοΈπŸ–ŠοΈπŸ–ŠοΈ
EZEKIEL MATANGA
+27628290644

*SIMBARASHE*

Ndakazotanga kutaura nemukadzi uya wandaishanda naye nezuro mai Takue tichitaura zvedu dzakasiyana siyana. Aiva munhu akanyarara hake nerimwe divi kune rumwe rutivi yainga nyenze chaiyo haaivhara muromo. Vamwe vakadzi vaviri vataishanda navo vakatoshamisika kunzwa achitaura neni uku achiseka zvekutoenda chaiko. Basa raifamba sekufamba kwaro nguva dzichitofamba vanhu vachitochera chaiko chaiko. Vamwe vakadzi vakanga vakutanga kutuma tuma ini ndichingoita basa sekutaura kwavanenge vaita.

Paingoti afunga kutuma aidaidza zita rangu. Ini ndaisatombova nebasa nazvo ndaiterera munhu wese ndisingatarisi kuti abuda mumba maani? Vemuriwo vakadaidza ndikanochekerera muriwo wacho sekutaura kwavo. Ndisati ndapedza ndakanzwa "Mukoma Simba ndivigeriwo huni idzo." Ndakamhanya nadzo huni dziya zvezvavareva kupindura kuri kwaJesu paakabvunzwa naPirato kuti uri umwe wemaJudha here iwe?" Jesu akangoti "sezvavareva" haana kana kuda kupikisana navo. Akadaira nemo nemo, ndo theme yandaifambawo nayo musi uyu. Inonzi run according to situation.

Ndakazodzora tsvimbo apo ndakanzwa uya wekundituma kuchekera muriwo ava kuti "Mukoma Simba huyai ndikutumei." Uya wekundituma kuhuni akadaidzira zvekare nedivi achiti ndiite kasi kasi paiva nerimwe basa raiva rakandimirira futi. Ndakapera simba nekuita kwevakadzi ava. Vakange vatofunga kundiita welcome zvedi. Ndaizoribetserwa nani basa racho nemuwandiro warakange rakaita. Paitoda kusunga dzisimbe kuti ugone kuvidza zuva uri panzvimbo iyi.

Ndakabva ndazvishingisa ndokutevedzera umwe wavo uyo ndakaona kuti matumire aaindiita ndeekuremekedza. Zvaiva zvebasa saka ndakabvuma kupusa zvishoma. Ndakasiya ndokumhanya kutora huni dziya ndakabva ndasiya ndaisa pamoto nekutora katin kemvura ndikagadza pamoto. Ndakadzoka ndikatanga kucheka muriwo wangu nemadomasi. Mbuya mai Joe vakanga vachizviona havo vakanyarara kunge vasipo. Ndapedza ndakadzoka kumukadzi uya aisuka mandiro. Takatanga kuita basa tichitaura nyaya tichibvunzana bvunzana ipapo. Imwe mibvunzo aimbopota achindishaira mhinduro asi handina kupera simba mukutaura naye. Iyewo aivawo neimwe mibvunzo yandaitondandama pakupindura k*kk. Dzaiuya zuva racho ndakazoshanda kunge mbongoro yekuba baba. Munoaziva mashandisirwe ainoitwa painosunungurwa inoita zuva rese yakamira ichikungura nhamo dzayo kumusiki k*kk*k

Heyo mimwe yemibvunzo yandakazosangana nayo ipapo, ainyanya kundibvunza nezvekumusha kwedu. Aida kuziva kuti mhuri yedu yakakura sei uye vamwe vari kuitei muhupenyu hwavo? Pandakamuudza nezvekurima mbambaira, mabanana nemadhumbe ndakaona akunyemwerera kunge ndamuti ndiri kuda kumupa.

Mai Takue ... "Simba rega ndikuudze chimwe chinhu pano. Zvauri kuona tichishanda kudai mumwe namumwe ane basa rake raakapindira pano. So ukasangwara vakadzi avo vaviri vachakushandisa pamabasa avo nekuda kwekuti iwe unobvuma kutumwa. Taimboshanda naJoe pano akarega basa nekuda kwevakadzi avo vanotuma zvisingaite kunyanya mai Tatenda avo vabva kukutuma havaite uye vane nharo. Iwe basa rako kutsemura huni chete kana wapedza kutsemura unogona kuita zvaunoda pasina anokutuma unenge uchibatsira usanyanya kubvuma zvavanokuudza kuti ita. Murungu wako pano ndimai Joe avo kwete mai Tatenda namai Rich."

"Haaa hoo mazviita henyu sister asi handikwanisi kuramba nekuti handizivi kuti andituma ndiani uye atumwa nani? Panonetsa kuti munhu akasvika zuro ndiye ave kukura musoro." Ndakadaro ndichishaya zvekutaura asi vakanga vandiudza chokwadi. Chaindinetsa kuti sei mai Joe vachiramba vakanyarara ndichiitiswa kudai nevanhu ava.

"Yaaa zvinonetsa hanzvadzi. Ok saka apa uri kugara kupi uye nani?" Vakabvunza futi mai Takue vakuda kuenda mberi pakundiziva more

"Ndiri kugara pano nambuya mai Joe. Sei mabvunza?" Ndakadaro ndakushaiwa kuti sei vasvika pakubvunza zvakadaro. Asi vari kuda kuti ndinogara navo kumba kwavo kani? Ummmm handidi kugara kumba kwevanhu ndinoda kugara pano namai Joe. ZvaJoe ndakanga ndisina basa naye ndaiziva kuti ndaizomupedzera handiti matomo ekumuita chero zvandada ndakanga ndamapihwa namai vake here? Hapasisina chekutya nekuti ndini ndakanga ndabata makechemu. Anofunga kuti kubva kumusha kupusa here?

Mai Taku ... "Hapana kuipa asi ndati ndibvunze kudawo kuziva paunogara. Mbuya mai Jose havanyanyi kutora vanhu vekugara navo pano vachishanda. Wakanyanya kuita sei wakabva wafarirwa namai Joe kudaro k*k*k? Ugare wakangwarira mwana wavo Joe imbavha. Deii uri......?"

Havana kuzopedza ndakabva ndaedzwa nemumwe mukadzi mai Tatenda. Ndakasiya zvandaita ndichienda ikoko. Mai Joe vakaita kundipa ziso randisina kunzwisisa ndakakurumidza kutarisa pasi ndokubva ndaita zvekufambisa. Pavakanditarisa ndakafunga kuti vakanga vaona kusimuka kwandakanga ndaita. Mukadzi wandaishanda naye akanga andibata ruoko kuti ndisaenda ndakaita zvekuhwizura so ndakafunga kuti vandiona.

Ndichisvika akabva ati "Tora poto hombe iyo upambire tione kubika rimwe sadza sezvo mvura yapisa kare." Poto yacho yaitaurwa yakanga iri kwandabva kudai akataura ndichiriko dai ndauya nayo. Hapana chandakaita kunze kwekudzokera kwandabva kotora poto iya. Ndichangosvika papoto iya ndakanzwa mai Joe vava kuti "Joe uri busy here?"

"Handisi busy zvakanyanya mhamha matii?" Ndakadaro ndamira uku ndakavatarisa mumboni chaimo.

Mai Joe ... "uri kuitei handiti huni wakapedza kutsemura dzose zuro?"

"Ndiri kubatsira vamwe basa mhamha." Ndakapindura ndichiti mai ava havasi kuona zvandiri kuita vaindibvunza mubvunzo nhando kudaro?

Mai Joe ... "Ipapo pauri uri kuda kuitei?"

"Ndatumwa kutora poto yekubika sadza." Ndakadaro ndakushamisika kuti mibvunzo yacho zvayava kutoita ichikwidza makata kuita sekuti pane mhosva yandapara?

Mai Joe .. "Ok siya izvozvo iwe haubike pano, basa rako nderekutsemura huni chete kwete zvimwe izvo. Kana dzapera unokwanisa kugara hako uchizorora nekuti dzinorwadza huni. Uchida unobatsira vamwe asi kwete kutumwa. Iye akutuma ndiye ane basa rekubika haafanirwi kukutuma asi kukukumbira. Kana waramba waramba, asi kana wabvuma wabvumawo hako it's up to you. Hapana anokumanikidza ngazvipere izvozvo. Imi vasikana kangani ndichikuudzai kuti regai kushandisa vakomana kana varume vanouya pano. Munomubhadhara here kukubatsirai kwaari kuita? Musiyei aite zvaanoda nekuda kwake. Handidi kuzviona futi muchimutuma kunyanya iwe mai Tatenda haunzwi wakaita sei? Unodii kuuya nemurume wako kana mwana wako uzotuma? Siyana nevanhu vangu vanondishandira. Ukaramba uchidaro ndichakumisa basa. Sei musingadi kuona munhu anotumika? Mumwe namumwe pabasa pake. Simbarashe pihwa sadza rako namai Taku udye ndikutume."

Zvakandishamisa kuti sei kupihwa sadza namai Takue iye asiri kubika sadza racho. Pese paitaura mai Jose vakadzi vose vakanga vakamira vakatarira kuna mai Jose. Ini ndaipota ndichitarisa mai Takue asi vaive vakatarirawo kuna mbuya mai Joe ziso ravo risina kana matyira. Vakazokurirwa zvavo tichibva tadzifambisa nguva asi pakange pava kutorema. Dzimwe moods dzakange ndakusangana nadzo kuteam rangu rekurambidzwa kundituma haaaa akange ava masondikongonya chaiwo kutarisana kwevanhu vakarambana. Tsamwa dzacho k*k*k pakange pakudaidzwa nyoka chokwadi miromo dziri mumhuno k*k kutaura kwevakuru. Ko ndakatozoswera nenzaraka ndatoona mamwe maziso andaipotserwa nawo ari emafira mberi chaiwo. Poison muchikafu ringa ngokudirira rimwe racho randakangofungira kuti zimuroyi ipapo k*k*k ndakuwanza. Zvisinei handina hangu kuzonyanya kurohwa nenzara too much mother yangu iya yandaida kutamba nayo tigojairana yakamira mira. Ndiye ega munhu wandakatemba ipapo.

"Iwe munhu huya pano ndikutume kasira otherwise ukanonoka ndokukanganwa."
......................................

Ndiani aidzwa apa? ko aidaidza wacho ndiani?Kungava kwakanaka here madaidzire ayo?

END OF THIS CHAPTER

BOSS MOST WANTED AND EZEKIEL MATANGA LOVES YOU ALL ❀️

Address

Beverley
Mashonaland East

Telephone

+27639193823

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Reading Novels posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share

Category